Isaiah 61

Gore reNyasha dzaJehovha

1Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu,
nokuti Jehovha akandizodza
kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo.
Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika,
kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa,
nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,
2kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha
uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu,
kuti ndinyaradze vose vanochema,
3uye ndiriritire avo vanochema muZioni,
kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako
pachinzvimbo chamadota,
mafuta omufaro
pachinzvimbo chokuchema,
uye nenguo yokurumbidza
pachinzvimbo chomweya wakarukutika.
Vachanzi miouki yokururama,
yakasimwa naJehovha
kuti aratidze kubwinya kwake.
4Vachavakazve matongo akare
uye vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa kare;
vachavandudza matongo amaguta
akaparadzwa kwezvizvarwa nezvizvarwa zvakapfuura.
5Vatorwa vachafudza mapoka amakwai enyu;
vatorwa vachashanda muminda yenyu nomuminda yenyu yemizambiringa.
6Ipapo imi muchanzi vaprista vaJehovha,
muchanzi vashumiri vaMwari.
Muchadya pfuma yendudzi,
uye muchazvirumbidza nepfuma yavo.

7Pachinzvimbo chokunyadziswa kwavo
vanhu vangu vachagamuchira migove miviri,
uye pachinzvimbo chokunyadziswa vachafara munhaka yavo;
nokudaro vachagara nhaka yemigove miviri munyika yavo,
uye mufaro usingaperi uchava wavo.

8“Nokuti ini, Jehovha, ndinoda kururamisira;
ndinovenga kupamba nezvakaipa.
Mukutendeka kwangu, ndichavapa mubayiro
uye ndichaita sungano isingaperi navo.
9Zvizvarwa zvavo zvichazivikanwa pakati pendudzi
uye navana vavo pakati pamarudzi.
Vose vanovaona vachaziva
kuti vanhu vakaropafadzwa naJehovha.”

10Ndinofara zvikuru muna Jehovha;
mweya wangu unofara muna Mwari.
Nokuti akandifukidza nenguo dzoruponeso,
uye akandishongedza nenguo yokururama,
sechikomba chinoshongedza musoro wacho somuprista,
uye somwenga anozvishongedza nezvishongo zvamatombo anokosha.
11Nokuti ivhu sezvarinomeresa mbeu,
nebindu richiita kuti mbeu dzikure,
saizvozvo Ishe Jehovha achaita kuti kururama nerumbidzo
zvimere pamberi pendudzi dzose.
Copyright information for SnaBDSC